Zvikovi - Varamba

Varamba mmmm
Vamuramba mukwasha varamba
Vamuramba haiya
Vamuramba tezvara varamba
Hausi gweta iwewe
Mwana wangu unomupei varamba
Zvausiri dhokota hayaya
Mwana wangu uchamupei varamba
Roora ndomazakwatira aya
Mari yacho undondipei varamba
Rusambo ndo maUS Dolla Aya
Mari yacho unondipei varamba
Hanzi mwana ndakayarutsa
Mombe ndakapingudza
Mugota wouya ndiwe iwe
Ndima ndakasakura
Mavhinga ndakazunza
Tsangadzi mukwasha ndiwe
Murudo ane benzi nderake
Kudzana topururudza wani
Musapingaidze rudokwadi
Mavhinga mamwe haazunzwe
Haazunzwe
Varamba mmmm
Vamuramba mukwasha varamba
Muroora achema haizi nyope uyu
Rimwe zuva achakunda varamba
Muroora ademba haazi nyope
Rimwe zuva zvinobuda varamba
Hanzi mwana ndakayarutsa
Mombe ndakapingudza
Mugota wouya ndiwe iwe
Ndima ndakasakura
Mavhinga ndakazunza
Tsangadzi mukwasha ndiwe
Murudo ane benzi nderake
Kudzana topururudza wani
Musapingaidze rudokwadi
Mavhinga aya haazunzwe
Murudo ane benzi nderake
Kudzana toteterera wani
Musapingaidze rudokwadi
Mavhinga mamwe haazunzwe

Written by:
Zvikomborero Chirema

Publisher:
Lyrics © O/B/O DistroKid

Lyrics powered by Lyric Find

Zvikovi

View Profile
Life Line Life Line