Nargamr5star - Shanda Hama

Hatirare kuno hakunazororo
Tichadzokako zvinhu zvava bho
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama
Ndichambo unganidza twese twamunoda
I think muna Zvita ndopandichadzoka
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama

Ey Kisimusi tichadya mupunga
Nhamo ndeye achakurunga
Masahwira ana mukurungai
Mogara mavakoka kunge Ak 47
Pandichabva Durban ndinenge ndine grocery nehembe
Gogo ndakavatengera gumbeze
Ndimbori pamushando toonana mbhaimbhai
Pandichauya pandichauya pandichauya
Ndoda auya wuya auya wuya
Maauya wuya
Sezvo nguva yareba ndisina kukuonai
Saka auya wuya auya wuya

Hatirare kuno hakunazororo
Tichadzokako zvinhu zvava bho
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama
Ndichambo unganidza twese twamunoda
I think muna Zvita ndopandichadzoka
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama

Ey ey nematambudziko
Nenhamo dzamukoma Tofesi ko vakafa neiko
Kwahi shuramatongo
Asi hupenyu ka so, kungodadirana hedu nemari asi hazvina maturo
Garai matsvaga Jeso
Ndabva ndafunga dande, ndafunga dande
Ndafunga kudzoka kumba ndiyamwe
Kuno kunoshandwa nepungwe
Chikonzero kuti mari iwande
Parizvino ndakagarwa naBoss
Kuno kunoshandwa seHorse
Ndosaka izvezvi ndiribusy
Vakadini havo mukoma vangu Breezy

Hatirare kuno hakunazororo
Tichadzokako zvinhu zvava bho
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama
Ndichambo unganidza twese twamunoda
I think muna Zvita ndopandichadzoka
Ndiri kushanda ndiri kushanda
Ndiri kushanda shanda hama

Written by:
Tanaka Maisiri

Publisher:
Lyrics © O/B/O DistroKid

Lyrics powered by Lyric Find

Nargamr5star

View Profile
Shanda Hama - Single Shanda Hama - Single