Dumie Mangena & God's Wings Music - Mwari Wangu
Mwari ndotenda makandipawo simba
Simba makandipa mumashoko angu
Simba makandipa mukutenda kwangu
Saka ndotenda mushoko renyu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Mwari makati munondirwira
Mwari makati hondo ndedzangu
Imi makati mira uone
Mira uone kubwinya kwangu
Hakuna chombo chakagadzirwa
Nemuvengi chingakurwisa
Chingakurwisa chikakukunda
Nezvituko unozvishaisa basa
Ndimi Chienda - pane rima
Ndimi Murapi - wenyama yose
Murwi wehondo - hamukundwe
Ruponeso rwangu - ndovimba nemi
Ndinotenda
Ndimi Mwari wangu
Munozadzisa
Ndimi Mwari wangu
Makatendeka
Ndimi Mwari wangu
Munozvigona
Ndimi Mwari wangu
Tapera zano
Matipa zano
Tapera simba
Ndimi simba redu
Written by:
Dumisani Mangena
Publisher:
Lyrics © O/B/O DistroKid
Lyrics powered by Lyric Find