Dumie Mangena & God's Wings Music - Mwari Wangu

Mwari ndotenda makandipawo simba
Simba makandipa mumashoko angu
Simba makandipa mukutenda kwangu
Saka ndotenda mushoko renyu

Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu
Ndimi ndimi Mwari wangu

Mwari makati munondirwira
Mwari makati hondo ndedzangu
Imi makati mira uone
Mira uone kubwinya kwangu

Hakuna chombo chakagadzirwa
Nemuvengi chingakurwisa
Chingakurwisa chikakukunda
Nezvituko unozvishaisa basa

Ndimi Chienda - pane rima
Ndimi Murapi - wenyama yose
Murwi wehondo - hamukundwe
Ruponeso rwangu - ndovimba nemi

Ndinotenda
Ndimi Mwari wangu
Munozadzisa
Ndimi Mwari wangu
Makatendeka
Ndimi Mwari wangu
Munozvigona
Ndimi Mwari wangu

Tapera zano
Matipa zano
Tapera simba
Ndimi simba redu

Written by:
Dumisani Mangena

Publisher:
Lyrics © O/B/O DistroKid

Lyrics powered by Lyric Find

Dumie Mangena & God's Wings Music

View Profile