Soko Matemai - Taita Seiko

Ehee
Ahaa ahh

Saka izvi ndizvo here zvawakatiisira pano panyika
Kuti ugoyeverwa nekutambura kwevanhu vawakasika
Kutogadzira mumhanzi nekuungudza kwedu nhaika
Tinozama kuzvisimudzira hona tiri kungotatarika
Aikazve
Taita seiko chaita kuti utirase iwe
Kutifananidza nemashizha anosvibisa chivanze iwe
Wotitora wotitsvaira wotiunganidza wotipisa
Manje tazowora moyo fanika muchero wakaibvisa
Iyo tariro yataive nayo muhana wakaibvisa
Ndokupotsera kure kure uko kusina ungambokusvika
Taita seiko isu
Ehh
Ehh
Ehh
Taita seiko isu
Heyi
Heyi
Ehh

Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko isu
Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko

Tarira zviri kuitwa vana vako nechirwere che ebola
Apa AIDS paside
Haina matyira, inotora
Vana tete vanambuya vakuwasha navaroora
Gomara hanzi raramba kurapika vachiri kuwongorora
Vana mazvikokota
Ndiregererei ndiri kupopota
Nendava yei Sudan parizvino yaparadzwa namasoja
Vanoshuda shudha idzo pfuti pfuti dzavo pose pose
Vachiuraya machembere netuvana tusina mhosva twose
Tora rudo udzose kuvanhu
Tidzose chivanhu
Tokubikira doro
Tokubayira bhuru
Nhai iwe Mukuru
Zvowopupa furo
Meso towudyura takatarira matenga
Tidzorerezve mubani mune mvura utiburitse mugwenga
Taita seiko isu
Ehh
Ehh
Ehh
Taita seiko isu
Heyi
Heyi
Ehh

Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko isu
Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko
Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko isu
Mhosva yedu ndeyeiko
Ndeyeiko
Takatadzeiko

Written by:
Marshall Muchenje

Publisher:
Lyrics © O/B/O DistroKid

Lyrics powered by Lyric Find

Soko Matemai

View Profile